Proverbs 28

1Munhu akaipa anotiza kusina anomudzinganisa,
asi vakarurama vakashinga seshumba.
2Kana nyika ikapanduka, inova navatungamiri vakawanda,
asi munhu anonzwisisa uye ane ruzivo anochengetedza runyararo.

3Mutongi anomanikidza varombo
akaita semvura inokukura ichisiya pasina zvirimwa.

4Avo vanorasa murayiro vanorumbidza vakaipa,
asi avo vanochengeta murayiro vanovapikisa.

5Vanhu vakaipa havanzwisisi kururamisira,
asi avo vanotsvaka Jehovha vanozvinzwisisa kwazvo.

6Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama
pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.

7Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera,
asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.

8Uyo anowedzera pfuma yake nokutengesa nomutengo uri pamusoro-soro,
anozviunganidzira mumwe, uyo anozonzwira varombo tsitsi.

9Kana munhu akaramba kunzwa murayiro nenzeve dzake,
kunyange minyengetero yake inonyangadza.

10Uyo anotungamirira vakarurama panzira yakaipa,
achawira mumuteyo wake pachake,
asi vasina mhosva vachagamuchira nhaka yakanaka.

11Munhu akapfuma angazviti akachenjera pakuona kwake,
asi murombo ane njere anomuonorora.

12Kana vakarurama vachikunda, kune mufaro mukuru;
asi kana akaipa akava pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda.

13Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri,
asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.

14Akaropafadzwa munhu anogara achitya Jehovha,
asi uyo anoomesa mwoyo wake achawira mudambudziko.

15Seshumba inoomba, kana bere rinodzingirira,
ndizvo zvakaita munhu akaipa anobata ushe pamusoro pavarombo.

16Mutongi anoshusha haana njere,
asi uyo anovenga pfuma yakapambwa achararama kwamakore mazhinji.

17Munhu anoshushikana nemhosva yake yokuuraya,
acharamba ari wokutiza kusvikira pakufa;
ngapasava nomunhu anomutsigira.

18Uyo ano mufambiro wakarurama anogara akachengetedzeka,
asi uyo ane nzira dzakatsauka achawa nokukurumidza.

19Uyo anorima munda wake achava nezvokudya zvakawanda,
asi uyo anodzinganisana nezviroto achava nourombo hwakamufanira.

20Munhu akatendeka acharopafadzwa zvikuru,
asi uyo anokara pfuma haangaregi kurangwa.

21Kuita rusarura hakuna kunaka,
asi kunyange zvakadaro munhu anogona kuita zvakaipa kuti awane chimedu chechingwa.

22Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma
asingazivi kuti urombo hwakamugaririra.

23Uyo anotsiura munhu iye achawana nyasha dzakawanda pakupedzisira,
kupfuura uyo ane rurimi runonyengera.

24Uyo anobira baba kana mai vake
achiti, “Hazvina kuipa,”
ndiye shamwari youya anoparadza.

25Munhu ane ruchiva anomutsa kupesana,
asi uyo anovimba naJehovha achabudirira.

26Uyo anovimba nesimba rake ibenzi,
asi uyo anofamba muuchenjeri achachengetedzeka.

27Uyo anopa kuvarombo haangashayiwi chinhu,
asi uyo anotsinzina meso ake kuvarombo achagamuchira kutukwa kuzhinji.

28Kana akaipa achienda pachigaro chokutonga, vanhu vanohwanda;
asi kana vakaipa vachiparara, vakarurama vanowanda.
Copyright information for SnaBDSC